Matthew 15

Zvinhu Zvakachena neZvisina Kuchena

1Ipapo vanyori navaFarisi vakauya kuna Jesu vachibva kuJerusarema uye vakamubvunza vachiti, 2“Sei vadzidzi venyu vachityora tsika dzavakuru? Havashambi maoko avo vasati vadya!”

3Jesu akavapindura achiti, “Ko, imi munotyorerei murayiro waMwari nokuda kwetsika dzenyu? 4Nokuti Mwari akati, ‘Kudza baba vako namai vako’ uye, ‘Ani naani anotuka baba kana mai vake anofanira kuurayiwa.’ 5Asi imi munoti kana munhu akati kuna baba vake kana mai vake, ‘Chinhu chipi nechipi chamaiti munozogamuchira kubva kwandiri, chava chipo chakakumikidzwa kuna Mwari’, 6haachafaniri ‘kukudza baba vake’ nacho? Saizvozvo munoshayisa shoko raMwari simba nokuda kwetsika dzenyu. 7Imi vanyengeri! Isaya akaprofita kwazvo pamusoro penyu achiti:

8“ ‘Vanhu ava vanondikudza nemiromo yavo,
asi mwoyo yavo iri kure neni.
9Vanondinamata pasina;
vachidzidzisa dzidziso nemirayiro yavanhu.’ ”
10Jesu akadana vanhu vazhinji kwaari akati, “Teererai, munzwisise. 11Icho chinopinda mumuromo momunhu ‘hachimusvibisi’, asi chinobuda mumuromo make ndicho ‘chinomusvibisa’.”

12Ipapo vadzidzi vakauya kwaari vakamubvunza vachiti, “Munoziva here kuti vaFarisi vagumburwa pavanzwa shoko iri?”

13Akapindura akati, “Muti mumwe nomumwe usina kusimwa naBaba vangu vokudenga uchadzurwa. 14Vasiyei vakadaro, vatungamiriri vamapofu. Kana bofu rikatungamirira rimwe bofu, vose vachawira mugomba.”

15Petro akati, “Titsanangurirei mufananidzo uyu.”

16Jesu akavabvunza akati, “Nemiwo hamusati mava kunzwisisa? 17Hamuoniwo here kuti chose chinopinda mumuromo chinopinda mudumbu chichizobuda kunze! 18Asi zvinhu zvinobuda mumuromo zvinobva mumwoyo, izvozvi ndizvo zvinosvibisa munhu. 19Nokuti mumwoyo munobuda pfungwa dzakaipa, umhondi, upombwe, unzenza, umbavha, uchapupu hwenhema nokureva nhema pamusoro pavamwe vanhu. 20Izvi ndizvo ‘zvinosvibisa’ munhu, asi kudya asina kushamba maoko ‘hazvimusvibisi’.”

Kutenda kwoMukadzi muKenani

21Jesu akabvapo akaenda kudunhu reTire neSidhoni. 22Mumwe mukadzi muKenani womunzvimbo iyi akauya achidanidzira achiti, “Ishe, mwanakomana waDhavhidhi, ndinzwirei ngoni! Mwanasikana wangu ari kutambudzwa zvikuru nedhimoni rakamubata.”

23Jesu haana chaakapindura. Ipapo vadzidzi vake vakauya kwaari vakasvikoti, “Mudzingei nokuti ari kuramba achidanidzira kwatiri.”

24Akati kwavari, “Ndakatumwa kumakwai akarasika eIsraeri chete.”

25Mukadzi uya akauya akasvikopfugama pamberi pake akati, “Ishe, ndibatsireiwo!”

26Akapindura akati, “Hazvina kunaka kutora chingwa chavana muchichikandira imbwa.”

27Mukadzi uya akati, “Hongu Ishe, kunyange nembwa dzinodyawo zvimedu zvinodonha kubva patafura yatenzi wadzo.”

28Ipapo Jesu akapindura akati, “Mai, mune kutenda kukuru! Chikumbiro chenyu chanzwikwa.” Mwanasikana wake akabva aporeswa kubva panguva iyoyo.

Jesu Anopa Vanhu Zviuru Zvina Zvokudya

29Jesu akabvapo akatevedza gungwa reGarirea. Ipapo akakwira mugomo akagara pasi. 30Uye vanhu vazhinji vakauya kwaari navakaremara, mapofu, mhetamakumbo, mbeveve navamwe vazhinji, vakasvikovaisa patsoka dzake uye akavaporesa. 31Vanhu vakashamiswa kuona mbeveve dzichitaura, mhetamakumbo dzichitwasanudzwa, vakaremara vachifamba namapofu achiona. Vakarumbidza Mwari weIsraeri.

32Jesu akadana vadzidzi vake akati kwavari, “Ndiri kunzwa tsitsi pamusoro pavanhu ava; vanga vachingova neni kwamazuva matatu uye havachina chokudya. Handidi kuti ndivaendese vaine nzara nokuti vangaziya nenzara munzira.”

33Vadzidzi vake vakapindura vachiti, “Ndokupi kwatingawana chingwa chinokwana vanhu vose ava muno musango makadai?”

34Jesu akabvunza akati, “Mune zvingwa zvingani?”

Ivo vakati, “Tine zvinomwe notuhove tushoma shoma.”

35Akarayira kuti vanhu vose vagare pasi. 36Ipapo akatora zvingwa zvinomwe zviya nehove dziya, akavonga, akazvimedura ndokuzvipa kuvadzidzi, ivowo ndokupa vanhu vose. 37Vose vakadya vakaguta. Mushure, vadzidzi vakanhongera zvimedu zvakanga zvasara zvikazadza matengu manomwe. 38Vanhu vakadya vaiva varume zviuru zvina, vakadzi navana vasingaverengerwi. 39Mushure mokunge Jesu aendesa vanhu vazhinji ava, akapinda mugwa ndokubva aenda kudunhu reMagadhani.

Copyright information for SnaBDSC